33 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
34 “Kana mapinda munyika yeKenani iyo yandiri kukupai senhaka, ndikaita chirwere chinopararira chamaperembudzi muimba iri munyika iyoyo,
35 muridzi weimba anofanira kuenda kundoudza muprista kuti, ‘Ndaona chimwe chinhu chinenge maperembudzi mumba mangu.’
36 Ipapo muprista anofanira kurayira kuti vabudise zvose zviri mumba muprista asati apinda kundotarira hosha, kuti kurege kuva nechinhu chiri mumba chichanzi hachina kuchena. Mushure maizvozvo muprista anofanira kupinda agoongorora imba.
37 Anofanira kuongorora maperembudzi ari mumadziro eimba uye kana ane mavara akapinda akaita soruvara rwezerere kana matsvuku akaita saakapinda mukati mamadziro,
38 muprista anofanira kubuda napamusuo wemba agoipfiga kwamazuva manomwe.
39 Pazuva rechinomwe muprista achadzoka kuzoongorora imba. Kana maperembudzi apararira pamadziro,