41 Ipapo ngaarayire kuti madziro ose omukati memba aparwe uye zvaparwa zvigoraswa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta.
42 Ipapo vanofanira kutora mamwe matombo vagotsiva aya vagotora ivhu idzva vakodzura imba.
43 “Kana maperembudzi akaonekwa zvakare mumba mushure mokunge matombo abviswa imba yaparwa yadzurwa,
44 muprista anofanira kuenda kunozvinan'anidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena.
45 Inofanira kupazwa, matombo ayo, mapuranga nokudzura kwose, zvotorwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.
46 “Munhu upi noupi achapinda muimba iyi painenge ichakapfigwa achava asina kuchena kusvika manheru.
47 Munhu wose achavata kana kuti achadya ari mumba iyoyo anofanira kusuka nguo dzake.