1 Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.
3 Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo.
4 Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.