15 “ ‘Usasangana nomuroora wako mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye.
16 “ ‘Usasangana nomukadzi womukoma kana munun'una wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana munun'una wako.
17 “ ‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo.
18 “ ‘Usatora munun'una womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.
19 “ ‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.
20 “ ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.
21 “ ‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.