10 Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
11 “ ‘Usaba.“ ‘Usareva nhema.“ ‘Musanyengedzana.
12 “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.
13 “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba.“ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.
14 “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.
15 “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.
16 “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako.“ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha.