12 Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi.
13 Moto unofanira kuramba uchibvira paritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima.
14 “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari.
15 Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.
16 Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana.
17 Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene tsvene.
18 Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kumarudzi achatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ”