25 Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
26 Kwose kwose kwamunogara hamufaniri kudya ropa reshiri kana mhuka ipi zvayo.
27 Kana munhu upi zvake akadya ropa, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”
28 Jehovha akati kuna Mozisi,
29 “Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha.
30 Namaoko ake anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, anofanira kuuya namafuta pamwe chete nechityu, agoninira chityu kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.
31 Muprista achapisa mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.