2 “Uya naAroni navanakomana vake, nguo dzavo, mafuta okuzodza nawo, hando yechipiriso chechivi, makondohwe maviri nedengu rine chingwa chisina mbiriso,
3 ugounganidza ungano yose pamusuo weTende Rokusangana.”
4 Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana.
5 Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.”
6 Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura.
7 Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nebhande rakasonwa nounyanzvi; saka rakasungirirwa paari.
8 Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva.