3 Shamba ugozora mafuta anonhuwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa.
4 Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Iye achakuudza zvaunofanira kuita.”
5 Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.”
6 Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake.
7 Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi.
8 Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake.
9 Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?”Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai nguo yenyu muise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.”