15 Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.”
16 Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera.
17 Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
18 Iyi ndiyo imba yaPerezi:Perezi akabereka Hezironi,
19 Hezironi akabereka Ramu,Ramu akabereka Aminadhabhi,
20 Aminadhabhi akabereka Nashoni,Nashoni akabereka Sarimoni,
21 Sarimoni akabereka Bhoazi,Bhoazi akabereka Obhedhi,