1 Jefuta muGireadhi, akanga ari murwi ane simba. Baba vake vainzi Gireadhi; mai vake vakanga vari chifeve.
2 Mukadzi waGireadhi akamuberekerawo vanakomana, uye vakati vakura, vakadzinga Jefuta. Vakati, “Iwe hauna nhaka ipi zvayo yauchawana mumhuri yedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.”
3 Saka Jefuta akatiza kubva pavanun'una vake akandogara munyika yeTobhi, uko kwaakandounganirwa navarume vakaipa uye vakamutevera.
4 Mushure menguva yakati kuti, vaAmoni vakarwa navaIsraeri,
5 Vakuru veGireadhi vakaenda kundotora Jefuta kubva kunyika yeTobhi.
6 Vakati, “Uya uzova mutungamiri wehondo, kuti tigorwa navaAmoni.”
7 Jefuta akati kwavari, “Hamuna kundivenga here mukandidzinga mumba mababa vangu? Sei mava kuuya kwandiri zvino, imi mava munhamo?”