18 Varume ava vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa, muprista akati kwavari, “Muri kuiteiko?”
19 Vakamupindura vakati, “Nyarara! Usambotaura shoko. Handei tose, ugova baba vedu nomuprista wedu. Handiti zviri nani kushumira rudzi neimba iri muIsraeri somuprista pachinzvimbo cheimba yomunhu mumwe here?”
20 Ipapo muprista akafara. Akatora efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakavezwa akaenda pamwe chete navanhu.
21 Vakaisa vana vavo vaduku, zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo pamberi pavo, vakasimuka vakaenda.
22 Vakati vafamba chinhambwe kubva pamba yaMika varume vaigara pedyo naMika vakadanwa pamwe chete vakatevera vaDhani vakavabata.
23 Pavakadaidzira mushure mavo, vaDhani vakatendeuka vakati kuna Mika, “Wakaita seiko iwe, zvawadana vanhu vako kuti vazorwa?”
24 Akapindura akati, “Makatora vamwari vandakaita, uye muprista wangu mukaenda naye. Chii zvino chandasarirwa nacho? Mungabvunza seiko muchiti, ‘Wakaita seiko iwe?’ ”