20 Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa, dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera.
21 Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni. Pfuurira mberi, mweya wangu, simba!
22 Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira—kumhanya, kumhanya kwoune simba.
23 Mutumwa waJehovha akati,‘Tuka Merozi. Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo, Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’
24 Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru, iye mukadzi waHebheri muKeni, akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende.
25 Akakumbira mvura, uye iye akamupa mukaka; akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota.
26 Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende, ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi. Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake, akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake.