20 Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kunaAbhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!”
21 Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.
22 Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri,
23 Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari veShekemu, ukanyengera Abhimereki.
24 Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomunun'una wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake.
25 Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
26 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akaenda navanun'una vake kundogara muShekemu, uye vagari vomo vakavimba naye.