29 Dai chete vanhu ava vanga vari pasi pangu! Ipapo ndaimubvisa. Ndaizoti kuna Abhimereki, ‘Dana hondo yako yose!’ ”
30 Zebhuri mubati weguta akati anzwa zvakataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa zvikuru.
31 Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanun'una vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei.
32 Saka zvino, usiku, imi navanhu venyu munofanira kuzovandira muri muminda.
33 Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.”
34 Saka Abhimereki namauto ake akasimuka usiku akaenda kunzvimbo dzakavanda pedyo neShekemu mumapoka mana.
35 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akanga abuda uye akanga amire pamukova wamasuo eguta apo Abhimereki navarwi vake vakasimuka pavakanga vakavanda.