1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedhara, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti,
2 “Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
3 “Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka; ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa. Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete, kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,
5 vaya vanopfugama pamusoro pedzimba kuti vanamate nyeredzi dzedenga, vaya vanopfugama vachipika naJehovha uye vanopikawo naMoreki,
6 vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.