1 Rine nhamo guta ravamanikidzi, rakapanduka uye rikasvibiswa!
2 Harina warinoteerera, harigamuchiri kudzorwa. Harivimbi naJehovha, hariswederi pedyo naMwari waro.
3 Machinda aro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, vasingasiyi chinhu chamangwanani.
4 Vaprofita vavo vanozvikudza; vanhu vanonyengera. Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene uye vanoputsa murayiro.
5 Jehovha ari mariri mutsvene; haaiti zvakaipa. Mangwanani oga oga anotonga nokururamirisa kwake, zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa, asi vasakarurama havanyari.