2 “Ndichaita kuti Jerusarema rive mukombe uchadzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza. Judha ichakombwa pamwe chete neJerusarema.
3 Pazuva iro, ndudzi dzose dzenyika padzichaungana kuti dzirirwise, ndichaita kuti Jerusarema rive ibwe risingazungunuswi kundudzi dzose. Vose vachaedza kurizungunusa vachazvikuvadza.
4 Pazuva iro ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya uye mutasvi waro nokupenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndicharamba ndakatarira paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ose endudzi.
5 Ipapo vatungamiri veJudha vachati mumwoyo yavo, ‘Vanhu veJerusarema vakasimba, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari wavo.’
6 “Pazuva iro ndichaita kuti vatungamiri veJudha vaite segango pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote. Vachaparadza kurudyi nokuruboshwe ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, asi Jerusarema richaramba riri panzvimbo paro.
7 “Jehovha achaponesa misha yeJudha kutanga, kuitira kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi uye nokwavagari vomuJerusarema kurege kupfuura kweJudha.
8 Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vaya vagere muJerusarema, zvokuti anoshayiwa simba pakati pavo achava saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari, soMutumwa waJehovha anoenda pamberi pavo.