12 ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;
13 tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;
14 isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”
15 mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;
16 nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.
17 Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!
18 Varume ava vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira ivo pachavo!