18 Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyegedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.
19 Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake.
20 Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa.
21 Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa.
22 Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere.
23 Chishuvo chowakarurama chinoguma mune zvakanaka chete, asi tariro yowakaipa inogumira mukutsamwirwa.
24 Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo.