21 Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.
22 Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.
23 Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.
24 Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
25 Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu rowakaipa richanzwa nzara.