1 Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
2 uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.
3 Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
4 Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
5 Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.
6 Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
7 nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.