7 nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
8 Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.
9 Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
10 Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,
11 nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
12 Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
13 Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.