12 Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
13 Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
14 Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.
15 Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;
16 nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
17 Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
18 kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.