6 nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
7 Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
8 Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.
9 Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
10 Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!
11 Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
12 Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?