14 Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.
15 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.
16 Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.
17 Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.
18 Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya,
19 ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”
20 Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera.