3 Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.
4 Hasha dzinokuvadza uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?
5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.
6 Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.
7 Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.
8 Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.
9 Mafuta nezvinonhuwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.