1 Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba.
2 Kana nyika ikapanduka, inova navatungumiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.
3 Mubati anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.
4 Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.