10 Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.
11 Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora.
12 Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.
13 Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura nokuzvirasa achawana nyasha.
14 Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.
15 Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.
16 Mubati anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.