14 Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
15 Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
16 Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17 Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.
18 Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
19 Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
20 Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.