19 Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
20 Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
21 Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
22 Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zhizhinji.
23 Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
24 Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
25 Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.