7 Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
8 Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9 Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
10 Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akaruruma, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12 Kana mubati akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13 Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.