12 nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
13 Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
14 nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15 Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
16 Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
17 Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
18 Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.