32 nokuti Jehovha anovenga munhu akarasika, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
33 Kutuka kwaJehovha kuri paimba yowakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
34 Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
35 Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.