1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:
2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
3 usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.
4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vabati kukara doro,