13 Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
15 Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo.
16 Anonan'anidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17 Anoita basa rake nesimba; kuti aite maoko ake akasimba mabasa ake.
18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.
19 Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake.