24 Anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.
26 Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.
28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:
29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”
30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako runopera; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.