9 Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
11 Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
12 Anomuitira zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.
13 Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
15 Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo.