22 nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
23 Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.
24 Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
25 Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.
26 Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.
27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.