16 Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara?
17 Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.
18 Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
19 Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake.
20 Unogutsirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
21 Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.
22 Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga; tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo.