2 kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo.
3 Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;
4 asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose.
5 Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva.
6 Haafungi pamusoro penzira youpenyu; nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.
7 Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; musatsauka pane zvandinotaura.
8 Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake,