11 Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.
12 Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,
13 anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,
14 anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.
15 Naizvozvo njodzi ichamuwira nokuku-rumidza; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.
16 Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
17 meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,