6 Napawindo remba yangu ndakatarira panze nomumagirazi.
7 Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere.
8 Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake,
9 panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba.
10 Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.
11 Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba;
12 imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.