3 sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.
4 Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,
5 nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.
6 Nokuti muRugwaro zvinonzi:“Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni,ibwe rakasanangurwa, rinokosha,uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”
7 Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi,“Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,”
8 uye,“Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.”Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.
9 Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.