7 Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
8 Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
9 Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10 Nokuti,“Uyo anoda upenyunokuona mazuva akanakaanofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.
11 Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;anofanira kutsvaka rugare agorutevera.
12 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,uye nzeve dzake dzakateererakumunyengetero wavo,asi chiso chaShe chakanangana navayavanoita zvakaipa.”
13 Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?