8 Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
9 Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10 Nokuti,“Uyo anoda upenyunokuona mazuva akanakaanofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.
11 Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;anofanira kutsvaka rugare agorutevera.
12 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,uye nzeve dzake dzakateererakumunyengetero wavo,asi chiso chaShe chakanangana navayavanoita zvakaipa.”
13 Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?
14 Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”