1 Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,
2 madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene.
3 Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu.
4 Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.
5 Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu.
6 Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira.