1 Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanun'una vako.
2 Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo.
3 Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.
4 Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.