1 Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanun'una vako.
2 Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo.
3 Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.
4 Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.
5 Chirikadzi iri chirikadzi chaiyo uye yakasara ichingova yoga inoisa tariro yayo kuna Mwari uye inogara ichinyengetera nokukumbira kuna Mwari usiku namasikati.
6 Asi chirikadzi inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu.
7 Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa.