21 Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.
22 Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?
23 Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.
24 Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
25 Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,
26 nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”
27 Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.